PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 48-50
Vakwegura Vane Zvakawanda Zvekutidzidzisa
Vakwegura vanosimbisa kutenda kwedu muna Jehovha nezvaanovimbisa pavanotiudza kuona kwavakaita ‘mabasa anoshamisa’ aJehovha mumazuva ano ekupedzisira. (Pis 71:17, 18) Kana muine vakwegura muungano yenyu, vabvunzei
nezvekubatsirwa kwavakaitwa naJehovha kuti varambe vachimushumira kunyange pavaisangana nematambudziko
nezvemanzwiro avanoita vachiona nhamba yevaparidzi ichiwedzera gore rega rega
nezvemanzwiro avanoita sangano redu pariri kuwedzera kujekerwa nechokwadi cheBhaibheri
nezvemaitirwo matsva ezvinhu musangano raJehovha avari kuona