RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb20 April p. 7
  • “Rasa Vanamwari Venhema”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Rasa Vanamwari Venhema”
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Pane Chakaipa Here Nekuvaraidzwa Nezvinhu Zvemidzimu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Bvuma Kubatsirwa naJehovha Ukunde Satani Nemadhimoni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvemashiripiti?
    Mukai!—2017
  • Zvipire Zvakazara Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
mwb20 April p. 7
Murume achirasa chuma chine chekuita nemadhimoni.

KURARAMA KWECHIKRISTU

“Rasa Vanamwari Venhema”

Jakobho aiziva kuti Jehovha ndiye ega aifanira kunamatwa kunyange zvazvo akanga asati apa mutemo wairambidza kunamata zvidhori. (Eks 20:3-5) Saka pashure pekunge Jehovha amuudza kuti adzokere kuBheteri, Jakobho akarayira vanhu vese vaaiva navo kuti vabudise zvidhori zvavo. Jakobho akabva arasa zvidhori zvacho kusanganisira mhete idzo dzinogona kunge dzaipfekwa semazango. (Ge 35:1-4) Tine chokwadi chekuti Jehovha akafara nezvakaitwa naJakobho.

Mazuva ano, tinganamata sei Jehovha chete? Chimwe chinhu chinokosha chatinofanira kuita, kusava nechero chinhu chine chekuita nekunamata zvidhori kana kuti midzimu. Izvi zvinosanganisira kurasa zvinhu zvine chekuita nechidhimoni uye kuongorora zvinhu zvinotivaraidza. Semuenzaniso, zvibvunze kuti: ‘Ndinofarira here kuverenga mabhuku kana kuti kuona mafirimu ane zvinhu zvakadai semavampire, mazombie, kana kuti zvemidzimu? Zvinhu zvinondivaraidza zvinoita kuti kuita zvemashiripiti kana kuti kutsinga vamwe kuite sezvinhu zvinonakidza uye zvisingakuvadzi here?’ Tinofanira kutambira kure nechero chinhu chinovengwa naJehovha.​—Pis 97:10.

ONA VHIDHIYO INONZI “RWISA DHIYABHOROSI,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mwana akarara pamubhedha, aine zango paruoko. Nechekumashure amai vemwana wacho, avo vanodzidza Bhaibheri, vari kutaura nemurume nemudzimai vanovadzidzisa Bhaibheri.

    Mudzidzi weBhaibheri anonzi Palesa akasangana nematambudziko api?

  • Murume nemudzimai vacho nemunhu wavanodzidza naye Bhaibheri vanoonana nevakuru vaviri kuti vabatsirwe.

    Nei kuri kuchenjera kutsvaga kubatsirwa nevakuru kana iwe kana kuti mumwe munhu waunoziva ari kunetswa nemadhimoni?

  • Mudzidzi weBhaibheri wacho achipisa zango ranga rakapfekedzwa mwana.

    Rwisana naDhiyabhorosi, uye swedera pedyo naMwari.​—Jak 4:7, 8

    Kana tichida kudzivirirwa naJehovha, zvinhu zvipi zvatinofanira kurasa?

  • Zvii zvakaitwa naPalesa?

  • Zvii zvaungaita kuti udzivise zvinhu zvine chekuita nemadhimoni kwaunogara?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe