KURARAMA KWECHIKRISTU
Zvingaitwa Nevakaroorana Kuti Vasimbise Wanano Yavo
Abrahamu naSara vairatidzana rudo uye vairemekedzana. (Ge 12:11-13; 1Pe 3:6) Kunyange zvakadaro, vaivawo vanhu vanotadza uye vakatsungirira matambudziko avakasangana nawo muupenyu hwavo. Vari muwanano vangadzidzei kubva kuna Abrahamu naSara?
Kurukurai. Pindura neunyoro kana mumwe wako akataura zvinhu akagumbuka. (Ge 16:5, 6) Wanai nguva yekuva pamwe chete. Ratidza mumwe wako kuti unomuda nezvaunotaura uye zvaunoita. Chikuru pane zvese, itai kuti murambe muine ushamwari hwepedyo naJehovha kuburikidza nekudzidza, kunyengetera uye kunamata pamwe chete. (Mup 4:12) Wanano dzakasimba dzinoita kuti Jehovha, Muvambi weurongwa uhwu hutsvene akudzwe.
ONA VHIDHIYO INONZI ZVAMUNGAITA KUTI MUSIMBISE WANANO YENYU, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Muvhidhiyo iyi, zvii zvinoratidza kuti Shaan naKiara vakanga vasisanyatsowirirana?
Nei kunyatsokurukura zviri pamwoyo kuchikosha muwanano?
Zvakaitwa naAbrahamu naSara zvakabatsira sei Shaan naKiara?
Zvii zvakaitwa naShaan naKiara kuti vasimbise wanano yavo?
Nei murume nemudzimai vasingafaniri kutarisira kuti havazosangane nematambudziko muwanano yavo?
Munogona kusimbisa wanano yenyu!