PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 27-28
Pauro Anoenda kuRoma Nechikepe
Pauro akaramba achiparidza kunyange paakanga ari musungwa. Paakanga ari muchikepe, akaparidzira vashandi vemo uye vamwewo vakanga vakwira chikepe. Pashure pekunge chikepe chaparara paMarita, zviri pachena kuti akaparidzira vanhu vaakanga arapa. Papera mazuva matatu asvika kuRoma, akaunganidza varume vakuru vechiJudha kuti avaparidzire. Uye mumakore maviri aaiva akasungwa asingabvumirwi kubva pamba paaigara, aiparidzira munhu wese aiuya kuzomuona.
Zvii zvaungaita kuti uparidze mashoko akanaka pasinei nedambudziko raungava uinaro?