PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 6-7
Iva Nerupo
Munhu ane rupo anopa nguva yake, simba rake uye zvinhu zvake kuti abatsire uye akurudzire vamwe.
Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “garai muchipa” rinoreva chinhu chinofanira kuramba chichiitwa
Kana tiine rupo, vamwe vachadurura muhomwe yedu ‘chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinofashukira.’ Mashoko aya anogona kureva tsika yaiitwa nevamwe vatengesi yekuzadza homwe inovapo kana nguo yapetwa