KURARAMA KWECHIKRISTU
Zvatisingafaniri Kuita Tiri Padhoo Rasaimba
VaKristu vakafanana nevanhu vari ‘munzvimbo yemitambo’ pakuti vakatariswa nenyika. (1VaK 4:9) Saka hazvishamisi kuti vamwe vanasaimba vanotitarisa nepamahwindo kana kutiteerera vakamira kuseri kwedhoo. Dzimwe dzimba dzinogona kunge dziine makamera zvekuti saimba anenge achitiona nekutinzwa uye anokwanisa kutorekodha zvese zvatinenge tichiita. Pano pane mazano ezvatisingafaniri kuita tiri padhoo rasaimba.—2VaK 6:3.
ZVAUNOITA (VaF 1:27):
Remekedza saimba nekusadongorera pamba pake. Usadya kana kunwa, kana kufona kana kutumira mameseji paunenge wakamira padhoo
ZVAUNOTAURA (VaE 4:29):
Paunenge uri padhoo, usataura zvinhu zvaunozonyara nazvo kana saimba akazvinzwa. Vamwe vanobva vatombonyarara kuitira kuti pfungwa dzavo dzinyatsova pane zvavachada kuzotaura nasaimba