RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb17 June p. 8
  • Nakidzwa Nekuparidza Mashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nakidzwa Nekuparidza Mashoko Akanaka
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashoko Akafanana
  • Ngatiparidze Aya Mashoko Akanaka oUmambo!
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
  • Mashoko Akanaka Ari Kuparidzwa Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Ku“uya Namashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • “Shumirai Jehovha Nomufaro”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
mwb17 June p. 8

KURARAMA KWECHIKRISTU

Nakidzwa Nekuparidza Mashoko Akanaka

Mwari watinonamata ndiMwari anofara uye anoda kuti timushumire tichifara. (Pis 100:2; 1Ti 1:11) Asi zvinombokuomera here kuparidza? Izvozvo zvinomboitika kune vakawanda. Nei? Mundima yedu tinogona kunge tichisangana nevanhu vasingafariri kana kuti tinotya kutaura nevanhu vatisingazivi. Izvi zvinogona kutishayisa mufaro. Saka ndezvipi zvinhu zvitatu zvinotibatsira kuti tinakidzwe neushumiri hwedu?

Chekutanga, mashoko atinoparidza anopa tariro. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vasisina tariro, tinogona kuvaudza “mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani.” (Isa 52:7) Uye mashoko iwayo anogona kuita kuti mwoyo yedu ifashukire nemufaro. Usati waenda kunoparidza, chimbofunga nezvemakomborero achaunzwa neUmambo hwaMwari panyika.

Chechipiri, mashoko akanaka anobatsira kuti vanhu vave neutano hwakanaka uye vave pedyo naMwari. Anovabatsirawo kusiya tsika dzakaipa vova netariro yekuzorarama nekusingaperi. (Isa 48:17, 18; VaR 1:16) Basa redu rakafanana nerevashandi vari kubvisa vanhu pane njodzi. Kunyange zvazvo vamwe vasingadi kubatsirwa, tinoramba tichitsvaga vanenge vachida kupona.—Mt 10:11-14.

Chechitatu chinonyanya kukosha ndechekuti kuparidza kwatinoita kunokudza Jehovha. Anokoshesa chaizvo basa iri ratinoita. (Isa 43:10; VaH 6:10) Uyewo anotipa mweya wake mutsvene kuti tikwanise kuita basa iri. Kumbira Jehovha kuti akupe mufaro, sezvo uchibva pamweya mutsvene. (VaG 5:22) Achatibatsira kuti tisatya, zvoita kuti tiparidze neushingi. (Mab 4:31) Izvi zvichaita kuti tirambe tichifara pakuita basa rekuparidza, kunyange vamwe vakasateerera.—Eze 3:3.

Muparidzi ari kufara, uye pamwe pacho akasuwa

Unofanira kunzwa sei paunenge uri muushumiri? Ungaratidza sei kuti uri kufara?

ONA VHIDHIYO INONZI KUWANAZVE MUFARO KUBURIKIDZA NEKUFUNDA NEKUFUNGISISA, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:

  • Nei tichifanira kukoshesa purogiramu yedu yekudzidza Bhaibheri, kunyange tichiparidza maawa akawanda mwedzi wega wega?

  • Tingatevedzera sei Mariya?

  • Inguva ipi yaunodzamisa pfungwa pamusoro pezvaunenge waverenga muShoko raMwari?

  • Ndezvipi zvinoita kuti ufare paunenge uchiparidza mashoko akanaka?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe