PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JEREMIYA 51-52
Zvese Zvinotaurwa naJehovha Zvinoitika
Jehovha anotaura chaizvo zvinozoitika
Musoja wemumuzinda wePezhiya aishandisa uta
“Bwinyisai miseve”
VaMedhiya nevaPezhiya vaiva nyanzvi pakushandisa uta nemiseve pakurwa. Vairodza miseve yavo kuti inyatsopinza
“Varume vane simba veBhabhironi varega kurwa”
Hwendefa rinonzi Nabonidus Chronicle rinoti: “Mauto aKoreshi akapinda muBhabhironi pasina kurwisa.” Izvi zvinoenderana neuprofita hwaJeremiya
Nabonidus Chronicle
“Bhabhironi richava mirwi yematombo [uye] richaitwa dongo nekusingagumi”
Mbiri yeBhabhironi yakatanga kupera kubva muna 539 B.C.E. Alexander mambo weGirisi aida kuti Bhabhironi rive guta guru muumambo hwake, asi akazofa asati azviita. Pakatanga chiKristu, muBhabhironi makanga muine vaJudha vaigaramo uye ndizvo zvakazoita kuti Petro aendeko. Asi pakazosvika 300 C.E., guta iri rakanga rangova matongo, uye harina kuzombogarwazve