May 29–June 4
JEREMIYA 49-50
Rwiyo 102 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Jehovha Anokomborera Vanozvininipisa Uye Anoranga Vanozvikudza”: (10 min.)
Jer 50:4-7—VaIsraeri vaizopfidza uye vaizozvininipisa ndivo vaizosunungurwa muutapwa vodzokera kuZiyoni
Jer 50:29-32—Bhabhironi raizoparadzwa nemhaka yekuzvikudza kwarakaita pamberi paJehovha (it-1-E 54)
Jer 50:38, 39—Bhabhironi raizoitwa dongo (jr 161 ¶15; w98 4/1 20 ¶20)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Jer 49:1, 2—Nei Jehovha akati vaAmoni vaizoparadzwa? (it-1-E 94 ¶6)
Jer 49:17, 18—Zvinorevei kuti Edhomu yaizofanana neSodhoma neGomora, uye nemhaka yei? (jr 163 ¶18; ip-2 351 ¶6)
Kuverenga Bhaibheri kwevhiki rino kwakudzidzisei nezvaJehovha?
Ndezvipi zvimwe zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Jer 50:1-10
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (2 min. zvichidzika) T-32—Siya pekuzotangira.
Paunodzokera: (4 min. zvichidzika) T-32—Shandisa chikamu chakanzi “Zvokufunga Nezvazvo.” Siya pekuzotangira.
Hurukuro: (6 min. zvichidzika) w15 3/15 17-18—Musoro: Nei Mabhuku Edu Asingachanyanyi Kutaura Kuti Mamwe Magwaro Ane Kumwe Kuzadzika Kukuru?
KURARAMA KWECHIKRISTU
Bvisa Danda: (15 min.) Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Bvisa Danda. Kana yapera kurukurai navo mibvunzo iyi: Hama iri muvhidhiyo iyi yakaratidza sei kuti yaizvikudza uye yaingoshora-shora? Chii chakaibatsira kuti ichinje mafungiro ayo? Zvayakaita zvakaibatsira here?
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) kr chits. 13 ¶11-23
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 131 Nemunyengetero