RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb17 March p. 7
  • VaIsraeri Vakakanganwa Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaIsraeri Vakakanganwa Jehovha
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashoko Akafanana
  • Ngwarira Kuva Nomwoyo Unonyengera
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Jeremia—Muporofita Asingadikanwi Wamarutongeso aMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 24—Jeremia
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Ndaisa Mashoko Angu Mumuromo Mako”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
mwb17 March p. 7

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JEREMIYA 12-16

VaIsraeri Vakakanganwa Jehovha

Zvakaudzwa Jeremiya kuti aite zvaiva zvisiri nyore uye zvainyatsoratidza kuti Jehovha aida kuparadza rudzi rwaJudha rwainge rwakaoma musoro pamwe chete neguta ravo reJerusarema.

Jeremiya anobva kuJerusarema, achienda kuRwizi rwaYufratesi kaviri

Jeremiya akatenga bhandi rerineni

13:1, 2

  • Kusunga kwakaita Jeremiya bhandi iri muchiuno kwairatidza kuti Jehovha aikwanisa kuva neukama hwepedyo zvikuru nevaIsraeri

Jeremiya akaenda nebhandi racho kuRwizi rwaYufratesi

13:3-5

  • Akanoriviga pamukaha wedombo, achibva adzokera kuJerusarema

Jeremiya akadzokera kuRwizi rwaYufratesi kunotora bhandi racho

13:6, 7

  • Akawana bhandi racho raora

Jeremiya paakaita zvaakanga atumwa, Jehovha ndipo paakazomutsanangurira kuti aizviitirei

13:8-11

  • Kuteerera kwakaita Jeremiya pachinhu chaiita sechidiki kwakabatsira kuti mashoko aJehovha anyatsosvika pamwoyo yevanhu

WAIZVIZIVA HERE?

Kubva kuJerusarema kuenda kuRwizi rwaYufratesi kwaiva kwakareba makiromita anenge 500. Kuenda ikoko nekudzoka kaviri kwaitoreva kuti Jeremiya aifanira kufamba makiromita anenge 2 000, uye izvi zvaigona kutora mwedzi yakati kuti.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe