RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb17 January p. 8
  • Usakanganwa Kunyengeterera vaKristu Vari Kutambudzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usakanganwa Kunyengeterera vaKristu Vari Kutambudzwa
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashoko Akafanana
  • Nhau Dzechokwadi Uye Dzinosimbisa Kutenda
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Fara Paunenge Uchitambudzwa
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Vanotambudzwa asi Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Yeuka Kunyengeterera Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
mwb17 January p. 8

KURARAMA KWECHIKRISTU

Usakanganwa Kunyengeterera vaKristu Vari Kutambudzwa

Bhaibheri rakagara rataura kuti Satani aizotitambudza achida kuvhiringidza ushumiri hwedu. (Joh 15:20; Zva 12:17) Kune dzimwe nyika, vamwe vatinonamata navo vari kutambudzwa. Saka tingavabatsira sei? Tinogona kuvanyengeterera. “Kuteterera kwomunhu akarurama, kune simba guru.”​—Jak 5:16.

Hama yakasungwa iri kuendeswa mujeri; hama nehanzvadzi; hama iri kunyengetera

Zvii zvatingataura patinenge tichinyengetera? Tinogona kukumbira Jehovha kuti ape hama nehanzvadzi dzedu ushingi. (Isa 41:10-13) Tinogona kunyengeterera vanhu vane zvinzvimbo kuti vatibvumire kuparidza takasununguka, ‘toramba tichirarama upenyu hwakadzikama nohwakanyarara.’—1Ti 2:1, 2.

Pauro naPetro pavaitambudzwa, vaKristu vavainamata navo vakavanyengeterera vachitotaura mazita avo. (Mab 12:5; VaR 15:30, 31) Kunyange tisingazivi mazita ehama nehanzvadzi dziri kutambudzwa, tinogona kutaura mazita eungano kana nyika yavo

  • Kuti uwane nyaya dzeZvapupu zvaJehovha zviri kutambudzwa, enda pajw.org yeChirungu. (Tarisa pakanzi NEWSROOM > LEGAL DEVELOPMENTS.)

  • Nyaya iri pajw.org yeChirungu yakanzi “Jehovah’s Witnesses Imprisoned for Their Faith—By Location” inoratidza nhamba yeZvapupu zvichiri mumajeri. (Tarisa pakanzi NEWSROOM > LEGAL DEVELOPMENTS. Kuti uzive zviri kuitika kune dzimwe nyika, baya nyika yaunoda kuti uone mazita evanhu vakasungwa ikoko.)

Nyora nyika dzine vaKristu vari kutambudzwa vaungada kunyengeterera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe