January 9-15
ISAYA 29-33
Rwiyo 123 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Mambo Achatonga Kuti Pave Nokururama”: (10 min.)
Isa 32:1—Jesu Kristu ndiye Mambo achatonga nokururama (w14 2/15 6 ¶13)
Isa 32:2—Mambo Jesu achaita kuti pave nemachinda achatungamirira makwai (ip-1 332-334 ¶7-8)
Isa 32:3, 4—Vanhu vaJehovha vari kudzidziswa kuti vave vakarurama (ip-1 334-335 ¶10-11)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Isa 30:21—Jehovha anoshandisa nzira dzipi kuti ataure nevashumiri vake? (w14 8/15 21 ¶2)
Isa 33:22—Jehovha akapa vaIsraeri Mitemo, achibva ava Mutongi naMambo wavo riini uye akazviita sei? (w14 10/15 14 ¶4)
Ndinodzidzei nezvaJehovha kubva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Ipfungwa dzipi dziri pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino dzandinogona kushandisa muushumiri?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Isa 30:22-33
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (2 min. zvichidzika) Kavha yewp17.1—Taura zvakanaka nasaimba anenge akagumbuka.
Paunodzokera: (4 min. zvichidzika) Kavha yewp17.1—Verenga Magwaro uchishandisa foni kana kuti tablet.
Chidzidzo cheBhaibheri: (6 min. zvichidzika) lv 31-32 ¶12-13—Dzidzisa zvinosvika pamwoyo.
KURARAMA KWECHIKRISTU
“Nzvimbo Yekuvanda Mhepo” (Isa 32:2): (9 min.) Ratidzai vateereri vhidhiyo yacho.
Teerera Pamisangano: (6 min.) Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Teerera Pamisangano. Kana yapera, kumbirai vana vamakatosarudza nechekare kuti vauye kuchikuva, movabvunza kuti: Chii chingaita kuti musateerera pamisangano? Kudai Noa asina kuteerera Jehovha paaimuudza kuti areka yaizovakwa sei, chii chingadai chakaitika? Nei vana vachifanira kuteerera pamisangano?
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) kr chits. 6 ¶16-24, bhokisi rakanzi “Unonyatsotenda muUmambo Here?”
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 40 Nemunyengetero