RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb16 August p. 8
  • Dzidzisa Chokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidzisa Chokwadi
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Mashoko Akafanana
  • Mharidzo Dzekuenzanisira
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Mharidzo Dzekuenzanisira
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Mharidzo Yako Yemagazini
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Mharidzo Dzekuenzanisira
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
mwb16 August p. 8

KURARAMA KWECHIKRISTU

Dzidzisa Chokwadi

Kutanga muna September, Purogiramu Yezvokuita Uye Zvichadzidzwa ichange yava nechikamu chitsva chinenge chiine mharidzo yekuenzanisira chinonzi “Dzidzisa Chokwadi.” Chichatibatsira kuudza vanhu chokwadi cheBhaibheri chiri nyore, tichishandisa mubvunzo nerugwaro.

Kana munhu akafarira, tinogona kumusiyira chekuverenga, kana kumuratidza vhidhiyo yepajw.org kuti tive nepekutangira patinozodzoka. Tinofanira kukurumidza kudzokera kuti tienderere mberi nepatakasiyira. Mharidzo idzi uye zvikamu zvevadzidzi zvichange zvichibva papfupiso yezvitsauko zvebhuku rinonzi What Can the Bible Teach Us? asi hatisati tava naro muchiShona. Bhuku iri rakafanana neraBhaibheri Rinombodzidzisei? asi kungoti rakati pfavei pakunzwisisa. Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? rine mashoko nemagwaro zvinogona kutibatsira pakudzokera kune vanenge vafarira kana kuti pakudzidza navo tichingoshandisa Bhaibheri chete.

Kunongova nemugwagwa mumwe chete unoenda kuupenyu. (Mt 7:13, 14) Sezvo tichitaura nevanhu vezvitendero zvakasiyana-siyana uye vanobva kwakasiyana-siyana, tinofanira kuvaudza chokwadi cheBhaibheri chichaita kuti vade kuteerera. (1Ti 2:4) Patinojairana nenyaya dzakawanda dzemuBhaibheri uye patinovandudza unyanzvi hwedu ‘hwekubata shoko rechokwadi zvakarurama,’ mufaro wedu unowedzera, uye tinobudirira pakudzidzisa vamwe chokwadi.​—2Ti 2:15.

Chapupu chiri kuverengera mumwe mukomana Bhaibheri

SHANDISA MHARIDZO YACHO . . .

  • pakuparidza paimba neimba

  • pakuparidza zvisina kurongwa

  • pakutanga chidzidzo cheBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe