PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 11-18
Ndiani Angava Mueni Mutende raJehovha?
Mueni mutende raJehovha munhu anenge ari shamwari yaMwari, anovimba naye uye anomuteerera. Pisarema 15 rinotsanangura zvinotariswa naJehovha pamunhu waanoti ishamwari yake.
MUENI WAJEHOVHA ANOFANIRA . . .
kuperera kuna Mwari
kutaura chokwadi kunyange mumwoyo make chaimo
kukudza vamwe vashumiri vaJehovha
kusachinja zvaanenge avimbisa kunyange zvikazomuomera
kubatsira vanoshayiwa asingatarisiri kuzodzorerwa
MUENI WAJEHOVHA HAAFANIRI . . .
kuita makuhwa uye kuchera vamwe
kuitira muvakidzani wake zvakaipa
kushandisa hama yake yechiKristu kuti zvinhu zvimunakire
kushamwaridzana nevanhu vasinganamati uye vasingateereri Jehovha
kutora chiokomuhomwe