Bhokisi Remubvunzo
◼ Ndepapi Pazvinenge Zvakakodzera Kuti Tichirega Kudzidza Nemunhu Bhaibheri?
Kana mudzidzi weBhaibheri asisafambire mberi pakunamata unogona kumira kudzidza naye asi wozviita nekuchenjera. (Mat. 10:11) Funga nezveizvi: Anokoshesa here nguva yamunenge makarangana kudzidza? Anogadzirira chidzidzo chake here? Akambopinda mimwe misangano yeungano here? Ari kuudza vamwe zvaari kudzidza here? Ari kuchinja upenyu hwake kuti huenderane nezvinotaurwa neBhaibheri here? Fungawo nezvezera remunhu wacho uye kubata kwaanoita zvinhu zvamuri kudzidza, nokuti izvi zvinoita kuti vadzidzi vasiyane pakufambira mberi kwavanoita. Kana ukasarudza kuti umbomira kudzidza naye, muudze zvakanaka kuitira kuti nguva inotevera azonzwa akasununguka kuenderera mberi nekudzidza.—1 Tim. 2:4.