Purogiramu Yevhiki yaDecember 7
VHIKI INOTANGA NADECEMBER 7
Rwiyo 86 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
ia chits. 4 ¶1-15, bhokisi riri papeji 39 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 2 Makoronike 10-14 (8 min.)
Nha. 1: 2 Makoronike 13:13-22 (3 min. zvichidzika)
Nha. 2: Mwari Anoponesa Vanhu Achishandisa Kristu Chete—td 15A (5 min.)
Nha. 3: Mwanakomana Haana Kuenzana naBaba—td 42B (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: “Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari nomumatambudziko mazhinji.”—Mab. 14:22.
10 min: “Tinofanira Kupinda Muumambo hwaMwari Nomumatambudziko Mazhinji.” Hurukuro inobva padingindira remwedzi uno. Verengai mokurukura Mabasa 14:21, 22 na1 Petro 4:12-14. (Onai Nharireyomurindi, yaSeptember 15, 2014, peji 13, ndima 3-6.) Taurai muchidimbu zvimwe zvichakurukurwa paMusangano Webasa mwedzi uno, moratidza kuti zvinoenderana sei nedingindira remwedzi uno. Kurudzirai vose kuti vaone vhidhiyo ya‘Famba Nokutenda, Kwete Nokuona’ pavanenge vachigadzirira Musangano Webasa wevhiki rinotevera.
10 min: Unofanira Kupindura Sei? (VaK. 4:6) Hurukuro inobva mubhuku reChikoro Choushumiri, peji 69, ndima 1-3. Ivai nemienzaniso miviri yakasiyana. Mumuenzaniso wekutanga, saimba anotaura zvinorwadza, muparidzi opindura achiita zvekupotsera mashoko, zvoita kuti saimba arambe kuteerera. Mumuenzaniso wechipiri saimba anodzokorora zvaamboita pekutanga. Muparidzi wacho anombomira zvishoma, opindura zvinyoronyoro, uye saimba anobva aratidza kufarira.
10 min: “Tevedzerai Vaprofita—Habhakuki.” Mibvunzo nemhinduro.
Rwiyo 74 Nemunyengetero