Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga na28 December, 2015. Musi unenge uchikurukurwa pfungwa imwe neimwe waiswa kuitira kuti mugone kutsvakurudza panguva yamunenge muchigadzirira chikoro vhiki imwe neimwe.
Dhavhidhi akabata nhapwa dzake neutsinye here, semaonero anoita vamwe pavanoverenga 1 Makoronike 20:3? [Nov. 2, w05 2/15 p. 27]
Chii chakaita kuti Dhavhidhi ave nerupo, uye chii chingatibatsira kuti timutevedzere? (1 Mak. 22:5) [Nov. 9, w05 10/1 p. 11 ndima 8]
Dhavhidhi airevei paakati kuna Soromoni: “Ziva Mwari wababa vako”? (1 Mak. 28:9) [Nov. 16, w10 11/1 p. 30 ndima 3, 7]
Chikumbiro chaSoromoni chiri pana 2 Makoronike 1:10 chinoratidzei nezvake, uye tinodzidzei panyaya yekuongorora minyengetero yatinoita kuna Jehovha? (2 Mak. 1:11, 12) [Nov. 23, w05 12/1 p. 19 ndima 6]
Maererano na2 Makoronike 6:29, 30, chii chinokwanisa kuitwa naJehovha chete, uye sei tichifanira kunyengetera tichimuudza zvese zviri mumwoyo yedu? (Pis. 55:22) [Nov. 30, w10 12/1 p. 11 ndima 7]
Asa akanyengeterera kukunda uto rakakura achifunga nezvei, uye tingava nechokwadi chei nezvehondo yedu yekunamata? (2 Mak. 14:11) [Dec. 7, w12 8/15 p. 8 ndima 6–p. 9 ndima 1]
Zvakaitwa naJehovha pakatadza Mambo Jehoshafati, zvinotidzidzisei nezverudo rwaMwari, uye izvi zvinofanira kuita kuti tione sei vamwe? (2 Mak. 19:3) [Dec. 14, w03 7/1 p. 17 ndima 13; cl p. 245 ndima 12]
Mazuva ano nei tichifanira ‘kumira munzvimbo dzedu, toramba takamira’ uye izvi tingazviita sei? (2 Mak. 20:17) [Dec. 21, w05 12/1 p. 21 ndima 2; w03 6/1 p. 21 ndima 15-16]
Chii chinobatsira chatinodzidza pana 2 Makoronike 21:20 chine chokuita nezverufu rwaJehoramu? [Dec. 21, w98 11/15 p. 32 ndima 4]
Sezviri pana 2 Makoronike 26:5 ndiani akakurudzira Uziya paaiva mudiki kuti aite zvakarurama, uye vechidiki mazuva ano vangabatsirwa sei nevaKristu vakasimba pakunamata vari muungano? [Dec. 28, w07 12/15 p. 10 ndima 2, 4]