Mharidzo Dzokuenzanisira
Nharireyomurindi September 1
“Makambozvibvunzawo here kuti zita rekuti Zvapupu zvaJehovha rakabva kupi? [Rega apindure.] Mhinduro yacho tinoiwana muBhaibheri, Mwari paanotiudza zita rake. [Verenga Pisarema 83:18.] SeZvapupu zvaJehovha, tinoudza vanhu mashoko akanaka nezvake uye nezvechinangwa chaakasikira vanhu. Magazini ino yeNharireyomurindi inofumura zvinhu zvakawanda zvenhema zvinotaurwa kwose kwose pamusoro pedu.”
Awake! September
“Vanhu vakawanda vanobvumirana nepfungwa yekuti tinofanira kuva nemari kuti tirarame. Asi munofunga kuti zvakaipa here kuti tigare tichizvidya mwoyo nezvemari? [Rega apindure.] Onai zvatinoyambirwa neBhaibheri. [Verenga 1 Timoti 6:9.] Magazini ino inotsanangura kuti tingaita sei kuti tisafunge nezvemari zvakapfurikidza.”