RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/15 p. 3
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
km 8/15 p. 3

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naAugust 31, 2015.

  1. Munyengetero waSoromoni unotidzidzisa chokwadi chipi pamusoro paJehovha Mwari chinosimbisa kutenda kwedu, uye kufungisisa chokwadi ichi kunotibatsira sei? (1 Madz. 8:22-24, 28) [July 6, w05 7/1 p. 30 ndima 3]

  2. Tingatevedzera sei Dhavhidhi pakufamba kwaakaita “nomwoyo wakakwana”? (1 Madz. 9:4) [July 13, w12 11/15 p. 7 ndima 18-19]

  3. Chidzidzo chipi chinokosha chatinowana pane zvakaitwa naJehovha zvekutuma Eriya kuchirikadzi yekuZarefati? (1 Madz. 17:8-14) [July 27, w14 2/15 p. 14]

  4. Kufungisisa nyaya iri pana 1 Madzimambo 17:10-16 kungatibatsira sei kuti tiwedzere kunyatsovimba naJehovha? [July 27, w14 2/15 p. 13-15]

  5. Tingadzidzei kubva pane zvakaitwa naEriya paakanga apererwa? (1 Madz. 19:4) [Aug. 3, ia p. 102-103 ndima 10-12; w14 3/15 p. 15 ndima 15-16]

  6. Jehovha akaitei paakaona muprofita wake akatendeka achishungurudzika uye tingatevedzera sei Mwari wedu ane rudo? (1 Madz. 19:7, 8) [Aug. 3, w14 6/15 p. 27 ndima 15-16]

  7. Mambo Ahabhi aiva nemaonero api asina kunaka, uye vaKristu vangaita sei kuti vasaitawo saizvozvo? [Aug. 10, lv p. 164-165, bhokisi; w14 2/1 p. 14 ndima 3-4]

  8. Tinodzidzei pane zvakakumbirwa naErisha kuna Eriya, uye izvi zvingatibatsira sei patinopiwa basa ratisati tamboita rine chekuita neUmambo? (2 Madz. 2:9, 10) [Aug. 17, w03 11/1 p. 31 ndima 5-6]

  9. Vechiduku vangatevedzera sei ushingi uye kutenda kwekasikana kechiIsraeri kanotaurwa pana 2 Madzimambo 5:1-3? [Aug. 24, w12 2/15 p. 12-13 ndima 11]

  10. Vashumiri vose vaJehovha vari kurarama panguva ino yemugumo vangatevedzera sei Jehu? (2 Madz. 10:16) [Aug. 31, w11 11/15 p. 5 ndima 4]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe