Purogiramu Yevhiki yaJuly 27
VHIKI INOTANGA NAJULY 27
Rwiyo 18 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 28 ¶1-9 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Madzimambo 15-17 (8 min.)
Nha. 1: 1 Madzimambo 15:16-24 (3 min. zvichidzika)
Nha. 2: Bhaibheri Ringabatsira Sei Madzimai?—igw p. 26 ¶3-4 (5 min.)
Nha. 3: Murume Haafaniri Kubvumira Mudzimai Wake Kuti Amutadzise Kushumira Mwari—td 20C (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: ‘Endai munoita vadzidzi.’—Mat. 28:19, 20.
10 min: Uri Kuvandudza Unyanzvi Hwako muUshumiri Here? Kukurukurirana. Dzokororai ndima yekutanga iri muUshumiri Hwedu hweUmambo hwaFebruary 2014, inotaura nezvechinangwa chenyaya dzinoti “Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri.” Dzokororai muchidimbu dzimwe nyaya idzi dzakabuda muUshumiri hwakapfuura. Kumbirai vateereri kuti vataure kuti vakanyatsobatsirwa papi nenyaya idzi. Kurudzirai vaparidzi kuti vaite zvinenge zviri pakamusoro kakanzi “Edza Izvi Mwedzi Uno,” kuti vashandise unyanzvi hwatinenge tadzidza panyaya idzi mwedzi wega wega.
10 min: Shandisa Kabhuku ka“Zviri muShoko raMwari” Kuti Ubatsire Waunodzidza Naye Bhaibheri. Kukurukurirana. Kurukurai kuti zvikamu zvinotevera zvekabhuku aka zvingashandiswa sei pakubatsira mudzidzi weBhaibheri kuti agone kushandisa Bhaibheri: (1) “Mawanirwo Anoitwa Ndima dzemuBhaibheri.” (2) Mubvunzo 19: “Chii chiri mumabhuku eBhaibheri akasiyana-siyana?” (3) Mubvunzo 20: “Ungaita sei kuti unyatsobatsirwa nekuverenga Bhaibheri?” Ivai nemuenzaniso mupfupi wemuparidzi achikurukura chimwe chezvikamu izvi nemunhu waanodzidza naye pavanenge vapedza kudzidza chikamu chezuva iroro.
10 min: “Zvinhu Zvatinoshandisa Pakudzidzisa.” Mibvunzo nemhinduro.
Rwiyo 125 Nemunyengetero