Purogiramu Yevhiki yaMay 11
VHIKI INOTANGA NAMAY 11
Rwiyo 84 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 24 ¶11-17 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 2 Samueri 4-8 (8 min.)
Nha. 1: 2 Samueri 6:14-23 (3 min. zvichidzika)
Nha. 2: Chii Chinoitika Kumunhu Paanofa?—igw p. 18 ¶1-3 (5 min.)
Nha. 3: VaKristu Vanofanira Kuroora vaKristu Chete—td 19D (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: Batsira vanhu vemarudzi ose kuwana zivo yakarurama yechokwadi.—1 Tim. 2:3, 4.
10 min: Batsira Vanhu Vemarudzi Ose Kuwana Zivo Yakarurama Yechokwadi. Hurukuro inobva padingindira remwedzi uno. (Onai Nharireyomurindi yaNovember 15, 2013, peji 11-12, ndima 8.) Verengai mokurukura 1 Timoti 2:3, 4 uye 1 VaKorinde 9:19-23. Taurai muchidimbu zvimwe zvichadzidzwa pamisangano yebasa mwedzi uno, moratidza kuti zvinobatana sei nedingindira remwedzi uno.
20 min: “Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidzira Munhu Anotaura Mumwe Mutauro.” Kukurukurirana. Ivai nemuenzaniso mupfupi wezvinhu zvinonyatsoitika, muparidzi achishandisa kabhuku kaGood News for People of All Nations paanenge aonana nemumwe munhu muushumiri hwepaimba neimba.
Rwiyo 105 Nemunyengetero