Purogiramu Yevhiki yaDecember 8
VHIKI INOTANGA NADECEMBER 8
Rwiyo 6 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 17 ¶1-8 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Joshua 1-5 (10 min.)
Nha. 1: Joshua 1:1-18 (4 min. zvichidzika)
Nha. 2: Mudzimu Mutsvene Chii?—rs p. 245 ¶1-3 (5 min.)
Nha. 3: VaKristu Vanofanira Kushandisa Zita raMwari—td 9A (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: Budisa “zvinhu zvakanaka” kubva papfuma yakanaka yatakapiwa.—Mat. 12:35a.
10 min: “Zvinhu Zvakanaka” Zvatichawana Mwedzi Uno. Hurukuro. Simbisai dingindira remwedzi uno. (Mat. 12:35a) Takawana pfuma yekuziva Mwari taita zvekudzidziswa nemumwe munhu. (Ona Nharireyomurindi yaApril 1, 2002, p. 16, ndima 5-7.) Saka tinofanirawo kuudza vamwe “zvinhu zvakanaka” zvatinoziva. (VaG. 6:6) Itai kuti vateereri vave nechido chekunzwa “zvinhu zvakanaka” zvatichadzidza paMisangano Yebasa mwedzi uno. Misangano iyi ichatibatsira kuvandudza unyanzvi hwedu hwekudzidzisa uyewo tichadzidza nziyo itsva.
20 min: “Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuratidza Vanhu Kuti Chidzidzo cheBhaibheri Chinoitwa Sei Tichishandisa Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?” Kukurukurirana. Itai kuti muparidzi ane unyanzvi kana kuti piyona aenzanisire kuitisa chidzidzo cheBhaibheri achishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
Rwiyo 96 Nemunyengetero