Purogiramu Yevhiki yaOctober 13
VHIKI INOTANGA NAOCTOBER 13
Rwiyo 8 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 14 ¶10-15 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 4-6 (10 min.)
Nha. 1: Dheuteronomio 4:29-43 (4 min. zvichidzika)
Nha. 2: Kuchinja Kunofanira Kuitwa Nemunhu Kuti Afadze Mwari—rs p. 424 ¶4–p. 425 ¶1 (5 min.)
Nha. 3: Bhaibheri Rinotii Nezveungochani?—rs p. 424 ¶1-3 ¶2 (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: “Paridza shoko” uchiziva kuti nguva yapera.—2 Tim. 4:2.
5 min: Zvinorevei Kuparidza Tichiziva Kuti Nguva Yapera? Hurukuro inopiwa zvine upenyu ichisimbisa 2 Timoti 4:2. Shandisai nyaya iri muNharireyomurindi yaMarch 15, 2012, peji 16-17, ndima 7-9.
10 min: Nei Tichifanira Kuparidza Tichiziva Kuti Nguva Yapera? Hurukuro inopiwa nemukuru kubva muNharireyomurindi yaMarch 15, 2012, peji 15-16, ndima 3-6, uye peji 18, ndima 14-18. Simbisai kuti mazano ari munyaya dziri muUshumiri hwoUmambo dzakanzi “Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri,” anotibatsira sei kuparidza tichiziva kuti nguva yapera.
15 min: “Shandisa Mikana Yaunowana Kuparidza Mashoko eUmambo!” Mibvunzo nemhinduro. Pakukurukura ndima 3, kumbirai kuti vateereri vataure zvakaitika pavakaparidza zvisina kurongwa. Pedzisai nokutaura dingindira remwedzi uno, mokurudzira vateereri kuverenga nyaya mbiri dzichakurukurwa paMusangano Webasa vhiki inouya dzinoti “Kukurukura Nemuvakidzani.”
Rwiyo 97 Nemunyengetero