Purogiramu Yevhiki yaSeptember 15
VHIKI INOTANGA NASEPTEMBER 15
Rwiyo 105 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 13 ¶1-10 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Numeri 26-29 (10 min.)
Nha. 1: Numeri 27:15–28:10 (4 min. zvichidzika)
Nha. 2: Mwari Haana Kusika Dhiyabhorosi—rs p. 337 ¶1 (5 min.)
Nha. 3: Hero Haisi Nzvimbo Yokurwadziswa—td 8A (5 min.)
Musangano Webasa:
15 min: Basa Ratakaita. Hurukuro inopiwa nemutariri webasa. Dzokororai zvakaitwa neungano mugore rebasa rakapera, uye pamushandirapamwe unokosha wemuna August. Simbisai zvakanaka zvakaitwa neungano, moirumbidza pane zvayakaita. Kumbirai vateereri kuti vataure zvakanaka zvakaitika muushumiri muna August, uye bvunzai muparidzi akawedzera basa rake muushumiri panguva iyoyo. Pedzisai nekutaura chinhu chimwe chete kana kuti zviviri zvinofanira kuvandudzwa neungano muushumiri mugore riri kuuya, motaura kuti ingavandudza sei.
15 min: “Tevedzerai Vaprofita—Nahumi.” Mibvunzo nemhinduro.
Rwiyo 46 Nemunyengetero