Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naApril 28, 2014.
Chii chakabatsira Josefa kuti atize kuita unzenza nemudzimai waPotifari? (Gen. 39:7-12) [Mar. 3, w13 2/15 p. 4 ndima 6; w07 10/15 p. 23 ndima 16]
Nei Josefa ari muenzaniso wakanaka kune vaya vanodzvinyirirwa uye vanosangana nematambudziko? (Gen. 41:14, 39, 40) [Mar. 10, w04 1/15 p. 29 ndima 6; w04 6/1 p. 20 ndima 4]
Chii chakaita kuti Josefa anzwire vakoma vake ngoni? [Mar. 17, w99 1/1 p. 30 ndima 6-7]
Dzinza raBhenjamini rakazozadzika sei uprofita huri pana Genesisi 49:27? [Mar. 24, w12 1/1 p. 29, bhokisi]
Tinodzidzei nezvaJehovha pana Eksodho 3:7-10? [Mar. 31, w09 3/1 p. 15 ndima 3-6]
Mumazuva aMosesi, Jehovha akaita sei zvaienderana nezvimwe zvinorehwa nezita rake? (Eks. 3:14, 15) [Mar. 31, w13 3/15 p. 25 ndima 5-6]
Maererano naEksodho 7:1, Mosesi akava sa“Mwari kuna Farao” pakudini? [Apr. 7, w04 3/15 p. 25 ndima 7]
Pasinei nokuona simba raJehovha rokuponesa raakavanunura naro kubva kuIjipiti, vaIsraeri vakazoratidza mafungiro akaita sei, uye tinodzidzei pane izvozvo? (Eks. 14:30, 31) [Apr. 14, w12 3/15 map. 26-27 ndima 8-10]
Nei mashoko okuti “ndikutakurei pamapapiro emakondo,” achinyatsoratidza rudo rwairatidzwa naJehovha kurudzi rwaIsraeri rwakanga ruchiri kukura? (Eks. 19:4) [Apr. 28, w96 6/15 p. 10 ndima 5–p. 11 ndima 2]
Jehovha ‘anoranga zvizvarwa zvinotevera nokuda kwokukanganisa kwemadzibaba’ pakudini? (Eks. 20:5) [Apr. 28, w04 3/15 p. 27 ndima 1]