Purogiramu Yevhiki yaFebruary 24
VHIKI INOTANGA NAFEBRUARY 24
Rwiyo 101 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 3 ¶11-18 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 32-35 (10 min.)
Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri (20 min.)
Musangano Webasa:
5 min: Tanga Chidzidzo cheBhaibheri paMugovera Wokutanga. Hurukuro. Taurai urongwa hweungano hwebasa remumunda paMugovera wekutanga muna March. Ivai nemuenzaniso muchishandisa mharidzo yokuenzanisira iri papeji 4.
15 min: Zvakanakira Kuva Nemwoyo Murefu. Kukurukurirana kubva muBhuku Regore ra2013, peji 45, ndima 1, kusvika kupeji 46, ndima 1; uye mapeji 136-137. Kumbirai vateereri kuti vataure zvidzidzo zvirimo.
10 min: “Mushandirapamwe Wekukoka Vanhu kuChirangaridzo Uchatanga Musi wa22 March.” Hurukuro inopiwa nemutariri webasa. Ipai vateereri vose pepa rokukoka vanhu kuChirangaridzo, mokurukura zviri papepa racho. Taurai pfungwa dzinobatsira kubva mutsamba yemirayiridzo yakatumirwa vakuru, uye taurai urongwa hweungano hwekushanda ndima yese.
Rwiyo 109 Nemunyengetero