Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Vanenge Vafarira
“Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako.” (1 Tim. 4:16) Zano iri rakafemerwa muapostora Pauro achinyorera Timoti rinoratidza kuti tinofanira kuedza kuramba tichifambira mberi, pasinei nokuti tava nenguva refu here kana kuti tichangotanga kuparidza. Kuti tikwanise kuita izvi, muUshumiri Hwedu hwoUmambo muchabuda nyaya itsva dzinotevedzana dzine musoro unoti “Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri.” Nyaya imwe neimwe ichataura nezveunyanzvi hunokosha uye ichatipa mazano ekuti tingahuvandudza sei. Tose tinokurudzirwa kunyatsoshandisa unyanzvi hwatinenge tadzidza mumwedzi watinenge tahudzidza. Kana mwedzi wacho wapera, pachava nehurukuro paMusangano Webasa ichatipa mukana wokutaura kubatsirwa kwatakaita nokushandisa unyanzvi hwacho. Mwedzi uno tiri kukurudzirwa kuti tinyore vanenge vafarira.
Nei Zvichikosha: Kuti tinyatsoita basa redu, tinofanira kuita zvinopfuura kungoparidza chete. Tinofanira kudzokera kune vaya vanoratidza kufarira tovadzidzisa, tichidiridza mbeu dzechokwadi dzatakadyara. (Mat. 28:19, 20; 1 VaK. 3:6-9) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuona munhu wacho zvakare, totaura nezvenyaya dzinomunetsa, uye topfuudzira pane zvatakakurukura. Saka zvinokosha kuti tinyore pasi patinowana munhu anofarira.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Paunenge uchinyora nezvemunhu waunenge waona, udza vaunenge uchishanda navo zvauri kunyora.