RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/13 p. 3
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 6/13 p. 3

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naJune 24, 2013. Musi unenge uchikurukurwa pfungwa imwe neimwe waiswa kuitira kuti mugone kutsvakurudza panguva yamunenge muchigadzirira chikoro vhiki imwe neimwe.

1. Jesu airevei nemashoko aakataura ari pana Johani 3:14, 15: “Sokusimudza kwakaita Mosesi nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwa”? [May 6, it-1-E p. 505; gt Chitsauko 17 ndima 5]

2. Vateveri vaKristu vanogamuchira rini upenyu mavari, kana kuti kuwana kuzara kwoupenyu? (Joh. 6:53) [May 13, w03 9/15 p. 31 ndima 3]

3. Enzanisira zvakaitwa naJesu kuti vanhu vasina kukwana vazive Baba vake. (Joh. 8:28) [May 20, w11 4/1 p. 7 ndima 3]

4. Tinodzidzei kubva ‘pakusvimha misodzi’ kwakaitwa naJesu pakafa shamwari yake Razaro? (Joh. 11:35) [May 20, w08 5/1 p. 24 ndima 3-5]

5. Jesu akadzidzisa chidzidzo chipi chine simba nokugeza tsoka dzevadzidzi vake? (Joh. 13:4, 5) [May 27, w99 3/1 p. 31 ndima 1]

6. Mudzimu waMwari ungatitungamirira sei? (Joh. 14:26) [May 27, w11 12/15 map. 14-15 ndima 9]

7. Shoko rekuti “idzi” riri pana Johani 21:15 rinoreva chii, uye tingadzidzei? [June 3, w08 4/15 p. 32 ndima 11]

8. Maererano naMabasa 2:44-47 uye Mabasa 4:34, 35, mafungiro api anofanira kutevedzerwa nevaKristu? [June 10, w08 5/15 p. 30 ndima 5]

9. Stefani akanga achinyengetera kuna Jesu here munhoroondo iri pana Mabasa 7:59? [June 17, w08 5/15 p. 31 ndima 2]

10. Tingatevedzera sei muenzaniso wakanaka waBhanabhasi, uye tichabatsirwa sei nekuita kudaro? (Mab. 9:26, 27) [June 24, bt p. 65 ndima 19]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe