Purogiramu Yevhiki yaMay 27
VHIKI INOTANGA NAMAY 27
Rwiyo 6 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 10 ¶1-7 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Johani 12-16 (10 min.)
Nha. 1: Johani 12:20-36 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Chibayiro chaJesu Chaifanira Kutanga Kushanda Kuna Vanaani, Uye Nechinagwa Chei?—rs p. 301 ¶2-3 (5 min.)
Nha. 3: Sei Zvakakodzera Kuti Jehovha Anzi ndi“Mwari Anopa Rugare”?—VaR. 15:33 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Tanga Chidzidzo cheBhaibheri paMugovera Wokutanga. Hurukuro. Enzanisirai kuti chidzidzo cheBhaibheri chingatangwa sei musi woMugovera wokutanga muna June muchishandisa peji yokupedzisira yeNharireyomurindi. Kurudzirai vose kutanga zvidzidzo pamugovera wokutanga.
15 min: Kudiridza Mbeu Dzatinodyara. (1 VaK. 3:6-9) Kukurukurirana muchishandisa mibvunzo inotevera: (1) Chii chinokufadza pabasa rokushanyazve? (2) Chii chinoomera vamwe pakushanyazve? (3) Vangakunda sei zvipingamupinyi zvacho? (4) Tingawana sei rubatsiro kana tichiomerwa nekushanyazve? (5) Unoita sei kuti uzoyeuka munhu anenge afarira, nyaya yamunenge makurukura, zvinyorwa zvawamusiira uye zvimwewo? (6) Unogadzirira sei kushanyazve? (7) Nei zvakanaka kuti vhiki imwe neimwe uve nenguva yokushanyazve?
10 min: “Shandisa Mavhidhiyo Pakudzidzisa.” Kukurukurirana. Bvunza vateereri kuti vakabatsirwa sei nokuona mavhidhiyo edu vasati vava Zvapupu.
Rwiyo 101 Nemunyengetero