Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna April: Nharireyomurindi neAwake! Pamunodzokera kunoona munhu anenge afarira, edzai kutanga kudzidza naye Bhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?, uye kana zvichibatsira munhu wacho, munogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi. May naJune: Shandisai rimwe rematurakiti aya: Farikanya Upenyu Hwemhuri, Ndiani Zvomenemene Anobata Ushe Nyika?, Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri, kana kuti Ungada Here Kuziva Chokwadi? Kana munhu akaratidza kufarira, ratidzai kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kana kuti bhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi.
◼ Kana wakaronga kufamba rwendo uchienda kune imwe nyika uye uchida kuzopinda gungano reruwa ikoko, uchawana mashoko achakubatsira paIndaneti pawww.jw.org woenda pakanzi “Conventions” pasi pekamusoro kakanzi “About Us.”