Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naApril 29, 2013. Musi unenge uchikurukurwa pfungwa imwe neimwe waiswa kuitira kuti mugone kutsvakurudza panguva yamunenge muchigadzirira chikoro vhiki imwe neimwe.
1. Chiyeuchidzo chipi chinokosha chakataurwa naJesu nezvewanano chakanyorwa pana Mako 10:6-9? [Mar. 4, w08 2/15 p. 30 ndima 8]
2. Zvinorevei kushumira Jehovha nomwoyo wose? (Mako 12:30) [Mar. 4, w97 10/15 p. 13 ndima 4]
3. “Marwadzo enhamo” anotaurwa nezvawo pana Mako 13:8 anorevei? [Mar. 11, w08 3/15 p. 12 ndima 2]
4. Ruka akawanepi mashoko aakashandisa pakunyora nhoroondo yake yeEvhangeri? (Ruka 1:3) [Mar. 18, w09 3/15 p. 32 ndima 4]
5. Kuziva kuti Satani anotsvaka “nguva yakakodzera” kuti atiedze kunofanira kuita kuti tiite sei? (Ruka 4:13) [Mar. 25, w11 1/15 p. 23 ndima 10]
6. Tinofanira kunzwisisa sei mashoko akanyorwa pana Ruka 6:27, 28? [Mar. 25, w08 5/15 p. 8 ndima 4]
7. Zvaigoneka sei kuti Jesu akanganwire mumwe mukadzi zvivi zvake nepo iye akanga asati afa rufu rwechibayiro? (Ruka 7:37, 48) [Apr. 1, w10 8/15 map. 6-7]
8. Vateveri vaKristu vanofanira ‘kuvenga’ hama dzavo mupfungwa ipi? (Ruka 14:26) [Apr. 15, w08 3/15 p. 32 ndima 1; w92 7/15 p. 9 ndima 3-5]
9. “Zviratidzo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi” zvichaita kuti vanhu vaite sei? (Ruka 21:25) [Apr. 22, w97 4/1 p. 15 ndima 8-9]
10. Tingatevedzera sei muenzaniso waJesu pakunyengetera patinosangana nemiedzo yakanyanya kuoma? (Ruka 22:44) [Apr. 29, w07 8/1 p. 6 ndima 2]