Teerera Udzidze
1. Nei zvingada kuti tishande nesimba kuti titeerere uye tidzidze pagungano reruwa?
1 Magungano eruwa a2013 achatanga nokukurumidza. Pakaitwa basa rakakura pakugadzirira purogiramu inonyatsoenderana nezvinodiwa nevanhu vari munyika yose. Wakaronga kuti uvepo pagungano mazuva ose ari matatu here? Magungano akakura anogona kuva nezvakawanda zvinotitadzisa kuteerera, saka panotoda kushanda nesimba kuti tinyatsoteerera purogiramu. Sezvo purogiramu yacho yakareba kupfuura misangano yeungano, tinofanirawo kuteerera kwenguva yakareba. Kufamba uye zvimwewo zvinogona kuita kuti tinzwe taneta. Chii chichatibatsira kuramba takamuka kuitira kuti titeerere uye tidzidze?—Dheut. 31:12.
2. Tingagadzirira sei mwoyo yedu nokuda kwepurogiramu yegungano?
2 Gungano Risati Ratanga: Nzvimbo yedu yepamutemo yepaIndaneti inoiswa purogiramu yegungano ine misoro yehurukuro dzose uye musoro mumwe nemumwe uine rugwaro rumwe kana maviri. Kana tichikwanisa kuenda paIndaneti, kufanoona mashoko aya kuchatibatsira kugadzirira mwoyo yedu nokuda kwehurukuro dzichapiwa. (Ezra 7:10) Pamanheru enyu oKunamata Kwemhuri, munogona here kuva nenguva yokukurukura nezvepurogiramu yegungano kuitira kuti vose vemumhuri yenyu vanyatsorimirira vachifunga nezvekubatsirwa kwavachaitwa?
3. Chii chichatibatsira kuti tinyatsoteerera?
3 Panguva Yepurogiramu: Kana zvichiita, shanyirai chimbudzi purogiramu isati yatanga. Dzimai foni yenyu kuitira kuti isazokuvhiringidzai kana kuti musazokundwa nemuedzo wekutumira mameseji panguva yepurogiramu. Kana muine zvikonzero zvokusadzima foni yenyu, itai kuti isavhiringidza vamwe kana mafonerwa. Kana muchizoshandisa electronic tablet panguva yepurogiramu, itai kuti isavhiringidza vamwe. Dzivisai kudya uye kunwira-nwira panguva yepurogiramu. (Mup 3:1) Rambai makatarisa mukurukuri. Kana pakaverengwa rugwaro, iwewo vhura Bhaibheri rako. Nyorai manotsi mashoma.
4. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vateerere uye vadzidze?
4 Tinodawo kuti vana vedu vateerere uye vadzidze. Zvirevo 29:15 inoti: “Mukomana anongoregwa hake achanyadzisa amai vake.” Saka zvakanaka kuti mhuri dzigare pamwe chete kuitira kuti vabereki vave nechokwadi kuti vana vavo vari kuteerera purogiramu pane kuvarega vachitaura, vachitumira mameseji, kana kuti kungofamba-famba. Kunyange kana vari vaduku chaizvo kuti vanzwisise zvose zviri kukurukurwa, vanogona kudzidziswa kuti vasarara uye vagare vakanyarara.
5. Nei zvichibatsira kuti mudzokorore zvamunenge madzidza, uye mungazviita sei?
5 Kana Purogiramu Yapera Zuva Roga-Roga: Musanonoka kusvika kumba. Rarai nokukurumidza kuti muzorore zvakakwana. Kudzokorora zvamadzidza kunoita kuti muzviyeuke kwenguva yakareba. Saka zvakanaka kuti muve nenguva yokudzokorora purogiramu semhuri manheru oga oga. Madii kutakura manotsi enyu pamunoenda kuresitorendi neshamwari, mokurukura pfungwa imwe kana mbiri dzamunenge manyanya kufarira? Pamunodzoka kumba gungano rapera, munogona kukurukura semhuri pamanheru enyu oKunamata Kwemhuri kuti mungashandisa sei zvamakadzidza. Munogonawo kuronga kuti vhiki imwe neimwe muve nenguva yokudzokorora chikamu chezvinenge zvabuda pagungano.
6. Kungovapowo pagungano kunobatsira here? Tsanangura.
6 Mabiko haangabatsiri kana zvokudya zvacho zvikasadyiwa, zvogayiwa. Izvi zvakafananawo nemabiko ezvokunamata atichava nawo pagungano reruwa. Tadii kubatsirwa nemabiko aya kupfurikidza nokuvapo pazvikamu zvose zvemabiko acho, nokunyatsoteera uye nokushandisa zvatinenge tadzidza.