Purogiramu Yevhiki yaApril 15
VHIKI INOTANGA NAAPRIL 15
Rwiyo 6 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 8 ¶1-7 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Ruka 13-17 (10 min.)
Nha. 1: Ruka 16:16-31 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Kuva Nezvivi Kunoreva Here Kuti Hatikoshi Pamberi paMwari?—Pis. 103:8, 9, 14; VaG. 6:9 (5 min.)
Nha. 3: Vanhu Vose Vana vaMwari Here?—rs p. 213 ¶2–p. 214 ¶1 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Bhokisi Remubvunzo. Kukurukurirana.
10 min: Nzira Dzokuwedzera Nadzo Ushumiri Hwako—Chikamu 2. Hurukuro inobva mubhuku raTakarongwa peji 112, ndima 3, kusvika kupeji 114, ndima 1. Bvunzurudzai piyona mumwe chete kana kuti vaviri vakakwanisa kugadzirisa mamiriro avo ezvinhu kuitira kuti vapayone.
10 min: Unoparidza Kubasa Kwako Here? Kukurukurirana muchishandisa mibvunzo inotevera. (1) Zvakanakirei kuti vaunoshanda navo vazive kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha? (2) Ungaita sei kuti vazvizive? (3) Zvii zvingaitika kubasa zvingakupa mikana yokuparidza? (4) Zvakanakirei kugara neBhaibheri nemamwe mabhuku kubasa kana zvichiita? (5) Nei zvakanaka kuti usaparidza kwenguva yakareba panguva yebasa? (6) Zvii zvakaitika zvinofadza pawaiparidza kubasa?
Rwiyo 45 Nemunyengetero