Purogiramu Yevhiki yaApril 8
VHIKI INOTANGA NAAPRIL 8
Rwiyo 123 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 7 ¶14-20 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Ruka 10-12 (10 min.)
Nha. 1: Ruka 12:1-21 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Kuvapo Kwemarudzi Akasiyana-siyana Kungatsanangurwa Sei?—rs p. 211 ¶5–p. 213 ¶1 (5 min.)
Nha. 3: Sei Tichiona Jehovha saBaba Vedu?—Mat. 6:9 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Unogona Kukurudzira Vamwe. (VaR. 1:11, 12) Kukurukurirana kuchaitiswa nemutariri webasa. Taurai nhamba yemapiyona enguva dzose ari muungano yenyu. Taurai dzimwe nzira dzamungavakurudzira nadzo dzakadai sekuvarumbidza, kushanda navo mubasa romumunda, kuvabatsira pane zvokufambisa, kana kudya navo. Kumbirai mapiyona kuti ataure kuti vakakurudzirwa sei nevamwe. Kana ungano isina mapiyona enguva dzose, taurai nezvemapiyona ebetsero.
10 min: Kupindura Mibvunzo Ine Chokuita Nemazuva Okupedzisira. Kukurukurirana kubva mubhuku raKukurukurirana, peji 229 ndima 4 kusvika kupeji 231 ndima 1. Itai kuti pfungwa imwe chete ienzanisirwe.
10 min: “Tevedzerai Vaprofita—Jona.” Mibvunzo nemhinduro.
Rwiyo 13 Nemunyengetero