Purogiramu Yevhiki yaApril 1
VHIKI INOTANGA NAAPRIL 1
Rwiyo 38 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 7 ¶7-13 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Ruka 7-9 (10 min.)
Nha. 1: Ruka 7:18-35 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Nderupi Rudzi Rutsva Rwakazvarwa paPendekosti Uye Nechinangwa Chei?—VaG. 6:16; 1 Pet. 2:9 (5 min.)
Nha. 3: Kaini Akawanepi Mudzimai Wake?—w10 9/1 p. 25 inogadziridza zviri muna rs p. 211 ¶2-4 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna April. Kukurukurirana. Kwemasekonzi 30 kusvika kuminiti imwe chete taurai kuti zvii zvichaita kuti magazini acho afarirwe nevanhu mundima yenyu. Zvadaro, muchishandisa nyaya iri pakavha yeNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mubvunzo nerugwaro rwavachaverenga zvichaita kuti vanhu vafarire. Itai zvimwe chetezvo neAwake!, uye kana nguva ichiripo, shandisai imwewo nyaya iri mune imwe yemagazini acho. Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
10 min: Zvomuungano yenyu.
10 min: Nakidzwa Nokuverenga Bhuku Regore ra2013. Kukurukurirana. Dzokororai “Tsamba Inobva kuDare Rinodzora.” Rongai pachine nguva kuti vamwe vatsanangure chakaitika chinokurudzira kubva muBhuku Regore. Kumbirai vateereri kuti vataure zvimwe zvakavabaya mwoyo zviri pamushumo wenyika yose. Pedzisai nokukurudzira vose kuti vaverenge Bhuku Regore rose zvaro.
Rwiyo 75 Nemunyengetero