Purogiramu Yevhiki yaDecember 10
VHIKI INOTANGA NADECEMBER 10
Rwiyo 32 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 2 ¶14-19, bhokisi riri pap. 25 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Zefaniya 1-3–Hagai 1-2 (10 min.)
Nha. 1: Hagai 1:1-13 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Ko Uzivi Hwevanhu Hwakatanga Sei?—rs p. 388 ¶1-3 (5 min.)
Nha. 3: Kuwana Pfungwa dzaKristu Kunotibatsira Kuti Tizive Zvakawanda nezvaJehovha—Mat. 11:27 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
15 min: Chikoro chaMwari Choushumiri cha2013. Hurukuro inopiwa nemutariri wechikoro. Muchishandisa mirayiridzo yeChikoro chaMwari Choushumiri cha2013, taurai pfungwa dzichanyanya kubatsira ungano yenyu. Kurudzirai vose kuti vashande nesimba pane zvavanenge vakumbirwa kuti vaite, vawanewo chokutaura papfungwa huru dzemuBhaibheri, uye vashandise mazano anopiwa vhiki yoga yoga kubva mubhuku reChikoro Choushumiri.
15 min: “Ivai Norugare Nevanhu Vose.” Mibvunzo nemhinduro. Ivai nemienzaniso mipfupi miviri, wokutanga uchiratidza nzira isina kururama yokupindura nayo saimba ane hasha uye wechipiri uchiratidza nzira yakarurama yokupindura nayo.
Rwiyo 39 Nemunyengetero