Purogiramu Yevhiki yaJuly 16
VHIKI INOTANGA NAJULY 16
Rwiyo 101 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt chits. 23 ¶16-19, bhokisi riri pap. 188 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Ezekieri 15-17 (10 min.)
Nha. 1: Ezekieri 16:14-27 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Chii Chinonzi Chokwadi Chakataurwa naJesu Pana Johani 18:37? (5 min.)
Nha. 3: Jesu Akarayira Kuti Papembererwe Misa Here?—rs p. 233 ¶3–p. 235 ¶3 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Ita Kuti Chikoro chaMwari Choushumiri Chikubatsire Kuvandudza Mano Semushumiri. Hurukuro inopiwa nemutariri weChikoro chaMwari Choushumiri kubva mubhuku reChikoro Choushumiri, peji 6, ndima 1, kusvika panoperera peji 8. Bvunzurudzai muparidzi mumwe kana vaviri nezvekubatsirwa kwavakaitwa nechikoro pakuita ushumiri.
20 min: “Batsira Vanhu Kuti Vateerere Mwari.” Mibvunzo nemhinduro. Pamunenge muchikurukura ndima 5, enzanisirai kuti rimwe remabhurocha acho ringagoverwa sei. Mapedza kukurukura ndima 6, ivai nemuenzaniso wemaminitsi matatu unoratidza muparidzi ari kudzidzisa munhu Bhaibheri achishandisa bhurocha raTeerera Mwari uye achikurukura mufananidzo wokutanga papeji 4.
Rwiyo 120 Nemunyengetero