Ivai Vakachenjerera Pamunenge Muri Muushumiri
1. Sei tichifanira kuchenjerera patinenge tiri muushumiri?
1 “Semakwai ari pakati pemhumhi,” vashumiri vaMwari vari kuparidza “pakati pechizvarwa chisina kururama, chakamonyana.” (Mat. 10:16; VaF. 2:15) Pane zvinhu zvinovhundutsa zviri kuitika zvinonyatsoratidza pachena kuti vanhu vakaipa vari kubva “pakuipa vachienda pakuipisisa.” Izvi zvinosanganisira mhirizhonga, kurwiswa nemhomho yevanhu, uye kubiwa kwevanhu. (2 Tim. 3:13) Mazano api ari muMagwaro anogona kutibatsira kuti tigare ‘takachenjerera’ patinenge tiri muushumiri?—Mat. 10:16.
2. Chii chingaita kuti mubve mune imwe ndima muchinoparidzira kune imwe?
2 Ivai Vakachenjerera: Zvirevo 22:3 inoratidza chazvakanakira ‘kuvanda’ kana pakaitika dambudziko. Garai makasvinurira! Munharaunda yambenge ichiratidzika seyakagadzikana zvinhu zvinogona kungoerekana zvachinja. Munogona kuona mapurisa ava kungofamba-famba kupfuura zvaaiwanzoita kana kuti vanhu vava kufamba vari mapoka mumigwagwa. Dzimwe nguva mumwe saimba ane mutsa anogona kukunyeverai. Pane kuti murambe muchingotenderera-tenderera muchida kuona kuti chii chiri kuitika, zvingava zvakanaka kuti mukurumidze kubva munzvimbo iyoyo monoparidzira kune imwe.—Zvir. 17:14; Joh. 8:59; 1 VaT. 4:11.
3. Pfungwa iri pana Muparidzi 4:9 tingaishandisa sei muushumiri?
3 Usaparidza Uri Woga: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete,” inodaro Muparidzi 4:9. Dzimwe nguva unogona kuparidza uri woga. Asi mune dzimwe nzvimbo kuita izvi kune ngozi. Munzvimbo dzakaita seidzi hazvikurudzirwi kuti hanzvadzi kana kuti wechiduku aparidze pamba neimba ari oga kunyanya zuva ravira. Zvakaitika zvinoratidza kuti kushanda nemumwe kwakakosha. (Mup. 4:10, 12) Ona zviri kuitika kune vamwe vari muboka rako. Kana wava kubuda mundima yamanga muchiparidza ita kuti vamwe vazvizive.
4. Zvii zvatingaita kuti munhu wose ari muungano asapinda mungozi?
4 Sevanhu ‘vanorinda mweya yedu,’ vakuru vane basa rokupa mazano anoshanda anoenderana nekwatinogara. (VaH. 13:17) Kana tikaratidza kuva nemwero sevaKristu uye tikateerera zvose zvinotaurwa nevakuru kutaura chokwadi Jehovha achatikomborera. (Mika 6:8; 1 VaK. 10:12) Kudai vashumiri vose vaMwari vakaita zvose zvavanogona kuti vapupurire mundima yavo, asi vachizviita nokuchenjerera.