RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/12 p. 8
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
km 4/12 p. 8

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna April naMay: Magazini eNharireyomurindi neAwake! Kana munhu afarira, muratidzei turakiti raUngada Here Kuziva Chokwadi? uye edzai kutanga chidzidzo cheBhaibheri. Pamunodzokera kune vaya vakapinda Chirangaridzo kana zvimwe zviitiko zvokunamata asi vasiri kuwadzana neungano, fungai nezvokutanga zvidzidzo zveBhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? June: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edzai kutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri pamunoshanya kekutanga. Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho uye varamba kudzidza Bhaibheri, vaparidzi vangagovera magazini yekare kana kuti chero bhurocha rinotaura zvinofarirwa nemunhu wacho. July: Goverai chero bhurocha rine mapeji 32 pane anotevera: Shamwari yaMwari, Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa uye Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi. Paunodzokera kunoona munhu anenge afarira, edza kutanga kudzidza naye Bhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana zvichibatsira munhu wacho unogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi.

◼ Kana wakaronga kufamba rwendo uchienda kune imwe nyika uye uchida kuzopinda gungano reruwa ikoko, uchawana mashoko achakubatsira paIndaneti pajw.org woenda pakanzi Conventions pasi pekamusoro kakanzi Lookup.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe