Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naApril 30, 2012. Musi unenge uchikurukurwa pfungwa imwe neimwe waiswa kuitira kuti mugone kutsvakurudza panguva yamunenge muchigadzirira chikoro vhiki rimwe nerimwe.
1. Nei bhuku reBhaibheri raJeremiya richitibatsira? [Mar. 5, si-CA p. 129 ndima 36]
2. Mazuva ano Jehovha angatinunura sei patinotambudzwa? (Jer. 1:8) [Mar. 5, w05-CA 12/15 p. 24 ndima 18]
3. Vakazodzwa vakadzokera riini ‘kumigwagwa yekare,’ uye sei? (Jer. 6:16) [Mar. 12, w05-CA 11/1 p. 24 ndima 12]
4. Nei zvinganzi nhasi uno ‘kuGiriyedhi kune bharisamu’? (Jer. 8:22) [Mar. 19, w10-CA 6/1 p. 22 ndima 3–p. 23 ndima 3]
5. Zvinorevei kuti Jehovha ‘anozvidemba’ mushure mokupa mutongo? (Jer. 18:7, 8) [Apr. 2, jr-CA p. 151 bhokisi]
6. Jehovha akanyengedza sei Jeremiya, uye isu tingadzidzei? (Jer. 20:7) [Apr. 2, jr-CA p. 36 ndima 8]
7. Ndepapi chete patingavimba nevanhu nemasangano? (Jer. 17:5-8) [Mar. 19, w07-CA 3/15 p. 10 ndima 5]
8. Nei Jehovha aigona kunyatsotaura kuvanhu vake vakare kuti: “Ndakakukweva nomutsa worudo”? (Jer. 31:3) [Apr. 23, jr-CA map. 142-145 ndima 8-11]
9. Mutemo waMwari unonyorwa sei mumwoyo? (Jer. 31:33) [Apr. 23, w07-CA 3/15 p. 11 ndima 2]
10. Sei paifanira kunyorwa magwaro maviri okubvumirana ipo patengwa chinhu chimwe chete? (Jer. 32:10-15) [Apr. 30, w07-CA 3/15 p. 11 ndima 3]