Purogiramu Yevhiki yaApril 23
VHIKI INOTANGA NAAPRIL 23
Rwiyo 45 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 19 ¶12-20, bhokisi riri pap. 152 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Jeremiya 29-31 (10 min.)
Nha. 1: Jeremiya 31:15-26 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Mwari Anoti vaKristu Vanofanira Kuchengeta Sabata Vhiki Nevhiki Here? (5 min.)
Nha. 3: Mariya Aiva Mhandara Zvechokwadi Here Paakabereka Jesu?—rs-CA p. 203 ¶7-p. 204 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Zviziviso. Kweminiti imwe kana maviri mukurukuri ngaataure nyaya shoma dziri mumagazini aMay dzingafarirwa nevanhu mundima yenyu. Zvadaro achishandisa nyaya dzokutanga dzinotevedzana dziri muNharireyomurindi, ngaakumbire vateereri kuti vataure mubvunzo wavangabvunza ungaita kuti vanhu vafarire, uye kuti rugwaro rwupi rwavanofunga kuzoverenga. Itai zvimwe chete muchishandisa nyaya dzokutanga dzinotevedzana dziri muAwake! uye kana nguva iripo, sarudzai zvakare imwe nyaya kubva muNharireyomurindi kana kuti Awake! Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
25 min: “Magungano Edu Eruwa Anoratidza Pachena Zvakaita Chokwadi.” Mibvunzo nemhinduro. Kurukurai “Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa ra2012” zvinoshanda muungano yenyu. Pamunokurukura ndima 9, kumbirai mutariri webasa kuti ataure kuti zvii zvakarongwa panyaya yokuparadzira mahendibhiri.
Rwiyo 119 Nemunyengetero