Purogiramu Yevhiki yaFebruary 20
VHIKI INOTANGA NAFEBRUARY 20
Rwiyo 37 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 17 ¶1-7 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Isaya 58-62 (10 min.)
Nha. 1: Isaya 61:1-11 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Sei Kuzvitsaurira Chiri Chiratidzo Chorudo Nokutenda? (5 min.)
Nha. 3: Murume Nomudzimai Vakaparadzana Mwari Anozviona Sei?—rs-CA p. 146 ¶1 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Zviziviso. Taurai zvichagoverwa muna March, uye itai kuti mharidzo imwe chete ienzanisirwe.
10 min: Tinodzidzei? Kukurukurirana. Itai kuti magwaro anotevera averengwe: Pisarema 63:3-8 uye Mako 1:32-39. Kurukurai kuti magwaro aya anotibatsira sei sevashumiri.
15 min: “Mushandirapamwe Wokukoka Vanhu kuChirangaridzo Uchatanga Musi waMarch 17.” Mibvunzo nemhinduro. Kana mahendibhiri avapo ipai munhu wose ari muvateereri, mokurukura zviri pahendibhiri racho. Pamunenge muchikurukura ndima 2, ivai nemuenzaniso mupfupi unoratidza kuti hendibhiri racho ringagoverwa sei. Pamunenge muchikurukura ndima 3, kumbirai mutariri webasa kuti ataure kuti ndima yenyu yose ichashandwa sei.
Rwiyo 8 Nemunyengetero