Purogiramu Yevhiki yaNovember 14
VHIKI INOTANGA NANOVEMBER 14
Rwiyo 49 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 12 ¶14-20 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Muparidzi 1-6 (10 min.)
Nha. 1: Muparidzi 6:1-12 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Kuwedzera Kwokusateerera Mutemo Kunoratidzei?—rs-CA p. 225 ¶1-2 (5 min.)
Nha. 3: Nei vaKristu Vechokwadi Vachiteerera Zano Riri Pana VaRoma 12:19? (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
15 min: Unofarira ‘Ropafadzo Yokupa Nomutsa’ Here? Hurukuro inopiwa nemukuru inobva muNharireyomurindi yaNovember 15, 2011, mapeji 22-23.
15 min: “Mbeu Dzinofanira Kudiridzwa Kuti Dzikure.” Mibvunzo nemhinduro. Makurukura ndima 3, ivaiwo nemuenzaniso mupfupi wemuparidzi anenge achitaura oga achigadzirira kunoona mumwe munhu waakamboparidzira. Anoongorora zvaakanyora pamusoro pemunhu wacho, ofunga kuti angapindura sei mubvunzo waakasiya abvunza uye kuti angatanga sei chidzidzo achishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei. Dzokororai muchidimbu zviri papeji 85, ndima 3, mubhuku raTakarongwa panyaya yekudzokerera.
Rwiyo 98 Nemunyengetero