Purogiramu Yevhiki yaOctober 17
VHIKI INOTANGA NAOCTOBER 17
Rwiyo 85 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 11 ¶5-12, bhokisi riri pap. 89 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 12-16 (10 min.)
Nha. 1: Zvirevo 15:1-17 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Minyengetero Inogamuchirika Yakaita Serusenzi Inonhuhwirira Kuna Jehovha Pakudini?—Pis. 141:2; Zvak. 5:8 (5 min.)
Nha. 3: Chiratidzo Chipi Chinoratidza Kuti Tiri Kurarama Mumazuva Okupedzisira?—rs-CA p. 222 ¶1 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Tinodzidzei? Kukurukurirana. Itai kuti Magwaro anotevera averengwe: Mat. 5:11, 12, 14-16, 23, 24. Kurukurai kuti magwaro aya anogona kutibatsira sei muushumiri hwedu.
10 min: Ita Kuti Saimba Arione Nemaziso Ake. Kukurukurirana kubva mubhuku reChikoro Choushumiri peji 145. Ivai nomuenzaniso mupfupi unoratidza muparidzi ari kudzokera kunoona munhu anofarira, munhu wacho ane shanduro yeBhaibheri isina zita raMwari.
10 min: “Usazeza Kuparidza.” Mibvunzo nemhinduro. Kumbirai vakuru nevaduku kuti vataure zvakaitika pavaipupurira vari kuchikoro.
Rwiyo 80 Nemunyengetero