Purogiramu Yevhiki yaOctober 10
VHIKI INOTANGA NAOCTOBER 10
Rwiyo 44 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 11 ¶1-4, mabhokisi ari pamap. 84, 86-87 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Zvirevo 7-11 (10 min.)
Nha. 1: Zvirevo 8:1-21 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Kana Mumwe Munhu Akati: “Umambo hwaMwari Hahuzouyi Ndichiri Kurarama”—rs-CA p. 356 ¶2-3 (5 min.)
Nha. 3: Nei Magwaro Achinyevera Nezvokuva ‘Vakanyanya Kururama’?—Mup. 7:16 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
15 min: Wakambozviedza Here? Kukurukurirana. Muchipa iri hurukuro, dzokororai muchidimbu mashoko ari munyaya idzi dzakabuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo munguva pfupi yakapfuura: “Ungaita Ushumiri Misi yeSvondo Here?” (km-CA 5/11) uye “Kupupurira Mumugwagwa Zvinobudirira” (km-CA 6/11). Kumbirai kuti vateereri vataurewo kuti vakaedza sei kushandisa mazano ari munyaya idzi uye kuti vakabatsirwa sei.
15 min: “Batsira Saimba Kuti Ashandise Pfungwa Dzake.” Mibvunzo nemhinduro. Makurukura ndima 3, ivai nomuenzaniso unoratidza muparidzi achipindura mubvunzo unowanzobvunzwa, achiratidza kuti zvaari kutaura ndizvo zvakarurama. Ivai nemumwe muenzaniso muparidzi wacho achipindura mubvunzo mumwe chete asi achibatsira munhu kuti afunge.
Rwiyo 102 Nemunyengetero