Purogiramu Yevhiki yaJuly 18
VHIKI INOTANGA NAJULY 18
Rwiyo 98 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 6 ¶17-24, bhokisi riri pap. 48 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 74-78 (10 min.)
Nha. 1: Pisarema 77:1-20 (4 min. kana asingasviki)
Nha. 2: Tingarwisa Dhiyabhorosi Munzira Dzipi?—Jak. 4:7 (5 min.)
Nha. 3: Umambo hwaMwari Huchatsvenesa Zita raJehovha—rs-CA p. 350 ¶2-4 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
15 min: Tinodzidzei? Kukurukurirana. Verengai uye kurukurai Johani 4:3-24. Kurukurai zvinhu zvatingaita kuti titevedzere Jesu muushumiri hwedu. Zvadaro ivai nomuenzaniso wemuparidzi anopupurira zvisina kurongwa uye muenzaniso wacho ngauve wezvinhu zvinoitika kwete zvokufungidzira.
15 min: “Koshesa Kuungana Kwedu.” Mibvunzo nemhinduro. Pakukurukura ndima 4, itai kuti vamwe varondedzere kuti zvii zvavakaronga kuitira kuti vapinde gungano reruwa regore rino.
Rwiyo 91 Nemunyengetero