Purogiramu Yevhiki yaMay 9
VHIKI INOTANGA NAMAY 9
Rwiyo 58 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
bt-CA chits. 3 ¶12-18 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Mapisarema 1-10 (10 min.)
Nha. 1: Pisarema 7:1-17 (4 min. kana asingasviki)
Nha. 2: Kana Mumwe Munhu Akati: “Ndakagamuchira Jesu soMuponesi Wangu”—rs-CA p. 104 ¶3 (5 min.)
Nha. 3: Nei Jesu Akaruramisa Mumwe Murume Akamushevedza Kuti “Mudzidzisi Akanaka”?—Mako 10:17, 18 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Tinofanira Kuteerera Mwari Somutongi Panzvimbo Pevanhu. (Mabasa 5:29) Kukurukurirana kubva muBhuku Regore ra2011 reChirungu peji 219, ndima 4, kusvika papeji 221, ndima 2. Pamunopedza kukurukura chinoitika chimwe nechimwe, kumbirai vateereri kuti vataure zvavanenge vadzidza.
10 min: Unogona Kuva Piyona Webetsero Mumwedzi Iri Kutevera Here? Kukurukurirana. Dzokororai muchidimbu mashoko ari pamapeji 112-113 mubhuku rinonzi Takarongwa, muchitaura zvinodiwa kuti munhu ave piyona webetsero. Kumbirai vaya vakashandisa zororo ravo rekubasa kana kuti rekuchikoro kuita upiyona hwebetsero kuti vataure zvikomborero zvavakawana.
10 min: “Chiedza Chenyu Ngachivheneke.” Mibvunzo Nemhinduro. Kumbirai vateereri kuti vataure zvakaitika kwavari zvakaita kuti vakwanise kupa uchapupu pamusana pemufambiro wakanaka.
Rwiyo 93 Nemunyengetero