Purogiramu Yevhiki yaFebruary 21
VHIKI INOTANGA NAFEBRUARY 21
Rwiyo 97 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cf-CA chits. 18 ¶1-9 (25 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Nehemiya 12-13 (10 min.)
Nha. 1: Nehemiya 13:15-22 (4 min. kana asingasviki)
Nha. 2: Zvazvinoreva Kuzvipira Kuna Jehovha Mwari Zvakazara—Eks. 20:5 (5 min.)
Nha. 3: Johani 5:18 Inorevei?—rs-CA p. 98 ¶4-5 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Jehovha Haazosiyi Vakavimbika Vake. (Pis. 37:28) Kukurukurirana kubva muBhuku Regore reChirungu ra2010, peji 149, ndima 2, kusvika papeji 150, ndima 4; uye peji 175, ndima 2, kusvika papeji 179, ndima 5, musingatauri zviri pachati inoratidza nguva. Pamunopedza kukurukura chinoitika chimwe nechimwe, kumbirai vateereri kuti vataure zvavanenge vadzidza.
10 min: Mashoko Okupedzisira Anobudirira Muushumiri Hwomumunda. Hurukuro inobva mubhuku reChikoro Choushumiri papeji 221, ndima 5, kusvika panoperera peji 222. Enzanisirai muchidimbu zano rimwe chete kana maviri ari pamapeji acho.
10 min: “‘Kupupurira Kwazvo’ Pamusoro poUmambo hwaMwari.” Mibvunzo nemhinduro.
Rwiyo 31 Nemunyengetero