Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi October 1
“Vakawanda vanonetseka kuti Mwari ane hanya here nezvinotidya mwoyo uye nhamo dzedu. Imi munoti chii nazvo? [Murege apindure. Zvadaro verenga Pisarema 34:18.] Nyaya inotangira papeji 19 inokurukura kubatsirwa kwatinoitwa naMwari kuti tikunde pfungwa dzokuti hatibatsiri, kuti tisasuruvara zvakanyanyisa, uye tisanyanya kunzwa tiine mhosva.”
Awake! October
“Vamwe vanofunga kuti Mwari isimbawo zvaro kwete munhu. Vamwe vanoti munhu chaiye. Imi munofungei? [Murege apindure.] Onai mashoko aya anonakidza. [Verenga 1 Petro 5:6, 7.] Ichishandisa zviri muBhaibheri, nyaya inotangira papeji 29 inopindura mubvunzo wokuti, Mwari munhu chaiye here?”
Nharireyomurindi November 1
“Tose zvedu tinoda kunzwa tichigutsikana. Kuti tigutsikane munofunga kuti tinofanira kuva nemari here? [Murege apindure.] Mumwe wevanhu vakanyora Bhaibheri akadzidza kugutsikana paaiva nezvishoma. [Verenga VaFiripi 4:11, 12.] Magazini ino inotaura zvinhu zvishanu zviri muBhaibheri zvinoita kuti munhu agutsikane.”
Awake! November
“Vanhu vanodavira kuti hakuna Mwari vanotaura nezvezvinhu zvakaipa zvinoitwa pachishandiswa zita raMwari uye vanoti nyika yaizova nani kudai pasina zvechitendero. Imi munofungei? [Murege apindure.] Onai chikonzero chimwe chete chave chichiita kuti chitendero chenhema chikonzere kutambura. [Verenga 2 Timoti 4:3, 4.] Magazini ino inotaura kumwe kukanganisa pakufunga kunoitwa nevaya vanoti Mwari haako.”