RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/10 p. 4
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 9/10 p. 4

Zviziviso

◼ Zvichagoverwa muna September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edzai kutanga zvidzidzo zveBhaibheri pamunoshanya kekutanga. October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kana munhu akaratidza kuti anofarira mashoko edu, mugoverei turakiti raUngada Kuziva Chokwadi Here? wobva waedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri.

November: Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei? Mashoko ane chokuita nemushandirapamwe uchaitwa mupasi rose wokugovera bhurocha iri achatumirwa nokufamba kwenguva. Mune dzimwe nyika, zvingava zvakanaka kuti vanhu pavanenge vachigovera bhurocha idzva iri vabve vagovera mabhurocha aya: A Book For All People, A Satisfying Life—How to Attain It, Our Problems—Who Will Help Us Solve Them?, Midzimu Yevakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?, Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?, uye rokuti Will There Ever Be A World Without War? December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana pane vana mumhuri yacho, goverai bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru.

◼ Hurukuro yavose inokosha yemwaka weChirangaridzo wa2011 ichapiwa muvhiki yaApril 25, 2011. Musoro wehurukuro yacho uchazoziviswa gare gare. Ungano dzinenge dziine mutariri wedunhu kana kuti gungano kupera kwevhiki iyoyo dzichava nehurukuro iyi inokosha vhiki inozotevera yacho. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro yacho inokosha musi waApril 25 usati wasvika.

◼ PaChidzidzo cheBhaibheri Cheungano tichadzidza bhuku rinonzi ‘Kupupurira Kwazvo’ Pamusoro poUmambo hwaMwari kutanga vhiki yaMarch 14, 2011. Ungano dzinoda mabhuku aya dzinofanira kuakumbira paodha yadzo yemabhuku inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe